Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 70:1-5

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi, rwokuyeuchidza.+ 70  Haiwa Mwari, kuti mundinunure,+ Haiwa Jehovha, kuti muzondibatsira, chimbidzai.+   Vaya vari kutsvaka mweya wangu, ngavanyare uye vatsveruke.+ Vaya vari kufarira dambudziko rangu, ngavatendeuke vanyadziswe.+   Vaya vari kuti: “Tsvatu waro, tsvatu waro!” ngavadzokere shure nokuda kwenyadzi dzavo.+   Vose vaya vari kukutsvakai, ngavapembere nomufaro vakufarirei,+ Ngavagare vachiti: “Mwari ngaakudzwe!”—vaya vanoda kuponeswa nemi.+   Asi ini ndinotambudzika uye ndiri murombo.+ Haiwa Mwari, kurumidzai kuita chimwe chinhu nokuda kwangu.+ Muri mubatsiri wangu noMupukunyutsi wangu.+ Haiwa Jehovha, musanyanya kunonoka.+

Mashoko Emuzasi