Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 58:1-11

Kumutungamiriri. “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu. 58  Mungataura nezvokururama imi makanyarara here?+ Mungatonga zvakarurama here, haiwa imi vanakomana vevanhu?+   Asi imi nemwoyo yenyu muchiita zvisina kururama zvachose panyika,+ Muchigadzira mugwagwa nokuda kwechisimba chemaoko enyu!+   Vakaipa vagara vari vatsauki kubvira muchibereko;+ Vakadzungaira kubvira vachiri mudumbu; Vari kureva nhema.+   Uturu hwavo hwakaita souturu hwenyoka,+ Imatsi semhungu inovhara nzeve yayo,+   Isingazoteereri inzwi revanoita zvemashiripiti,+ Kunyange zvazvo mumwe munhu akachenjera achiitsinga.+   Haiwa Mwari, gurunurai mazino avo mumuromo mavo.+ Haiwa Jehovha, tyorai mapfupa eshaya dzevana veshumba vava nezenze.   Ngavanyunguduke vave semvura inoyerera ichienda zvayo;+ Iye ngaakunge uta hwemiseve yake ivo pavanenge vachiwa.+   Iye anofamba sehozhwa inonyunguduka; Havazooni zuva sokubva kunoita pamuviri pomukadzi.+   Hari dzenyu dzisati dzanzwa moto wakabatidzwa worukato,+ Runyoro pamwe chete norunopfuta, iye achazvitakura sezvinoita dutu.+ 10  Munhu akarurama achafara nokuti aona kutsiva.+ Achageza tsoka dzake muropa romunhu akaipa.+ 11  Vanhu vachati:+ “Chokwadi kune chibereko nokuda kwomunhu akarurama.+ Chokwadi kuna Mwari ari kutonga panyika.”+

Mashoko Emuzasi