Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 54:1-7

Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi. VaZifi pavakapinda vakati kuna Sauro: “Dhavhidhi haana kuvanda kwatiri here?”+ 54  Haiwa Mwari, ndiponesei nezita renyu,+ Rwirai mhosva yangu nesimba renyu.+   Haiwa Mwari, inzwai munyengetero wangu;+ Teererai mashoko omuromo wangu.+   Nokuti kune vanhu vandisingazivi vandimukira, Nevadzvinyiriri vari kutsvaka mweya wangu.+ Havana kuisa Mwari pamberi pavo.+ Sera.   Tarirai! Mwari ndiye mubatsiri wangu;+ Jehovha ndomumwe wevaya vanotsigira mweya wangu.   Achatsiva zvakaipa zvacho kuvavengi vangu;+ Itai kuti vanyarare nechokwadi chenyu.+   Ndichabayira chibayiro kwamuri ndichida.+ Ndicharumbidza zita renyu, haiwa Jehovha, nokuti rakanaka.+   Nokuti iye akandinunura mukutambudzika kwose,+ Ziso rangu rakatarira vavengi vangu.+

Mashoko Emuzasi