Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 53:1-6

Kumutungamiriri weMaharati.+ Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 53  Benzi rakati mumwoyo maro: “Jehovha haako.”+ Vakaita zvakashata uye vakaita zvinosemesa muzvinhu zvisina kururama;+ Hapana anoita zvakanaka.+   Asi Mwari akatarira pasi, pavanakomana vevanhu ari kudenga,+ Kuti aone kana paine munhu ane njere, munhu anotsvaka Jehovha.+   Vose zvavo vakadzoka shure, vose vane uori zvakafanana;+ Hapana anoita zvakanaka,+ Kana mumwe chete zvake.   Pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza hapana vane zivo here,+ Zvavanodya vanhu vangu sokudya kwavanoita chingwa?+ Havana kana kumbodana Jehovha.+   Vakatya kwazvo vari ikoko,+ Kwakanga kusina chinotyisa;+ Nokuti Mwari achaparadzira mapfupa omunhu anodzika misasa kuti akurwise.+ Muchavanyadzisa, nokuti Jehovha avaramba.+   Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rukuru rwaIsraeri!+ Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+ Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+

Mashoko Emuzasi