Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 52:1-9

Kumutungamiriri. Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi, Dhoegi muEdhomu paakauya, akaudza Sauro uye akati kwaari Dhavhidhi akanga asvika kumba kwaAhimereki.+ 52  Unozvirumbidzirei pamusoro pezvakaipa, haiwa iwe ane simba?+ Mutsa worudo waMwari uripo zuva rose.+   Rurimi rwako runoronga kuti pave nenhamo, rwakapinza sechisvo,+ Runoshanda ruchiita zvokunyengera.+   Wakada zvakaipa kupfuura zvakanaka,+ Wakada nhema kupfuura kutaura zvakarurama.+ Sera.   Wakada mashoko ose okuparadza,+ Haiwa iwe rurimi runonyengera.+   Mwari achakuputsawo nokusingaperi;+ Achakuwisira pasi okubvisa patende rako,+ Achakudzura munyika yevapenyu.+ Sera.   Vakarurama vachazviona uye vachatya,+ Vachamuseka.+   Tarirai, uyu ndiye murume asingaiti kuti Mwari ave nhare yake,+ Asi anovimba nokuwanda kwepfuma yake,+ Anovanda munhamo dzinoitwa naye.+   Asi ini ndichaita somuorivhi wakasvibirira+ uri mumba maMwari; Ndinovimba nomutsa worudo waMwari nokusingagumi, kunyange nokusingaperi.+   Ndichakurumbidzai nokusingagumi, nokuda kwemabasa amakaita;+ Ndichava netariro muzita renyu, nokuti zvakanaka, pamberi pevakavimbika venyu.+

Mashoko Emuzasi