Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 46:1-11

Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora+ rweVasikana. 46  Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera nesimba redu,+ Rubatsiro runowanika zviri nyore pakutambudzika.+   Ndokusaka tisingazotyi, kunyange kana nyika ikachinja+ Uye kunyange makomo akazununguka achipinda mumwoyo wegungwa guru;+   Kunyange mvura yaro ikava isina kugadzikana, ichipupuma,+ Kunyange makomo akazununguka parinovinduka.+ Sera.   Pane rwizi rune hova dzinoita kuti guta raMwari rifare,+ Iyo tebhenekeri huru tsvenetsvene yoWokumusorosoro.+   Mwari ari pakati peguta racho;+ iro harizozununguswi.+ Mwari acharibatsira pakutanga kwemangwanani.+   Marudzi akaita mheremhere,+ umambo hwakazununguka; Iye akataura nenzwi rake, nyika ikanyunguduka.+   Jehovha wemauto anesu;+ Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yakakwirira yakachengeteka.+ Sera.   Uyai, onai mabasa aJehovha,+ Maitiro aakaita zviitiko zvinokatyamadza panyika.+   Anogumisa hondo kusvikira kumugumo wenyika.+ Anotyora uta uye anogura-gura pfumo;+ Anopisa ngoro nomoto.+ 10  “Bvumai, muzive kuti ndini Mwari.+ Ndichakwidziridzwa pakati pemarudzi,+ Ndichakwidziridzwa munyika.”+ 11  Jehovha wemauto anesu;+ Mwari waJakobho ndiye nzvimbo yedu yakakwirira yakachengeteka.+ Sera.

Mashoko Emuzasi