Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 43:1-5

43  Nditongei,+ haiwa Mwari, Nditongerei mhosva+ iri pakati pangu norudzi rusina kuvimbika. Ndipukunyutsei pamunhu anonyengera neasina kururama.+   Nokuti muri Mwari wenhare yangu.+ Mandirasireiko? Ndinofambireiko ndakasuruvara nokuda kwokudzvinyirirwa kwandinoitwa nomuvengi?+   Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu.+ Izvi ngazvinditungamirire.+ Ngazvindiendese kugomo renyu dzvene nokutebhenekeri yenyu huru.+   Ndichaenda kuatari yaMwari,+ Kuna Mwari, iye kufara kwangu kwokupembera.+ Ndichakurumbidzai norudimbwa, haiwa Mwari, imi Mwari wangu.+   Nei wapererwa netariro, haiwa mweya wangu,+ Nei usina kugadzikana mukati mangu? Mirira Mwari,+ Nokuti ndichamurumbidza soruponeso rwangu rukuru uye saMwari wangu.+

Mashoko Emuzasi