Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 41:1-13

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 41  Anofara munhu anofunga nezvomunhu akaderera;+ Jehovha achamupukunyutsa muzuva redambudziko.+   Jehovha achamurinda omuchengetedza ari mupenyu.+ Iye achanzi anofara munyika;+ Uye hamungamuisi kumweya yevavengi vake.+   Jehovha achamutsigira ari pamubhedha wourwere;+ Muchachinja mubhedha wake wose munguva yokurwara kwake.+   Ini ndakati: “Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha.+ Poresai mweya wangu, nokuti ndakakutadzirai.”+   Vavengi vangu vanotaura zvakaipa pamusoro pangu vachiti:+ “Achafa rini, zita rake rinyatsoparara?”   Kana mumwe munhu akauya kuzondiona, mwoyo wake unoreva nhema;+ Anozviunganidzira chimwe chinhu chinokuvadza; Achabuda; achataura nezvazvo ari panze.+   Vose vaya vanondivenga vanozevezerana nezvangu vakabatana;+ Vanoramba vachironga kundiitira chimwe chinhu chakaipa vachiti:+   “Chinhu chisingabatsiri chinodururwa paari;+ Zvino zvaarara, haazomukizve.”+   Uyewo munhu wandaiva norugare naye, wandaivimba naye,+ Aidya chingwa changu,+ andisimudzira chitsitsinho chake.+ 10  Asi imi, haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha muite kuti ndisimuke,+ Kuti ndivatsive.+ 11  Neizvi ndinoziva kuti mandifarira, Nokuti muvengi wangu haashevedzeri mukukunda pamusoro pangu.+ 12  Asi ini makanditsigira nokuda kwokuvimbika kwangu,+ Muchandiisa pamberi pechiso chenyu nokusingagumi.+ 13  Jehovha Mwari waIsraeri ngaarumbidzwe+ Narini kusvikira narini.+ Ameni, Ameni.+

Mashoko Emuzasi