Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 4:1-8

Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo.+ Rwiyo rwaDhavhidhi. 4  Ndipindurei pandinoshevedza, haiwa Mwari wangu akarurama.+ Mundigadzirire nzvimbo yakafara pakutambudzika. Ndinzwirei nyasha,+ munzwe munyengetero wangu.   Imi vanakomana vevanhu, kukudzwa+ kwangu kuchazvidzwa kusvikira riniko, Imi muchiramba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira, Imi muchiramba muchitsvaka nhema? Sera.   Naizvozvo zivai kuti Jehovha achatsaura munhu wake akavimbika;+ Jehovha achanzwa pandinomushevedza.+   Dederai, asi musatadza.+ Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu,+ murambe makanyarara. Sera.   Bayirai zvibayiro zvokururama,+ Muvimbe naJehovha.+   Kune vazhinji vari kuti: “Ndiani achatiratidza zvakanaka?” Simudzirai chiedza chechiso chenyu patiri,+ haiwa Jehovha.   Chokwadi muchafadza mwoyo wangu+ Kupfuura panguva yakawanda zviyo zvavo newaini yavo itsva.+   Ndicharara pasi norugare ndobatwa nehope,+ Nokuti imi moga, haiwa Jehovha, ndimi munoita kuti ndigare ndakachengeteka.+

Mashoko Emuzasi