Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 3:1-8

Rwiyo rwaDhavhidhi paaitiza mwanakomana wake Absaromu.+ 3  Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda?+ Nei vazhinji vari kundimukira?+   Vazhinji vari kuti nezvomweya wangu: “Haasi kuzoponeswa naMwari.”+ Sera.   Asi imi, haiwa Jehovha, muri nhoo kumativi angu ose,+ Kukudzwa+ kwangu uye Iye anosimudza musoro wangu.+   Ndichadana Jehovha nenzwi rangu, Iye achandipindura ari pagomo rake dzvene.+ Sera.   Ini ndicharara pasi kuti ndibatwe nehope; Ndichamuka, nokuti Jehovha anoramba achinditsigira.+   Handizotyi zviuru zvevanhu zvine gumi, Vaya vakagadzirira kundirwisa, vakandikomba.+   Haiwa Jehovha, simukai!+ Ndiponesei,+ haiwa Mwari wangu!+ Nokuti mucharova vavengi vangu vose pashaya dzavo.+ Muchagura mazino evakaipa.+   Ruponeso ndorwaJehovha.+ Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu.+ Sera.

Mashoko Emuzasi