Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 16:1-11

Miktamu yaDhavhidhi. 16  Ndichengetei, haiwa Mwari, nokuti ndakapotera kwamuri.+   Ndakati kuna Jehovha: “Ndimi Jehovha; kunaka kwangu hakubatsiri imi,+   Asi vatsvene vari munyika. Ivo, kunyange vakuru vacho, ndivo vandinofarira kwazvo.”+   Marwadzo anowandira vaya vanokurumidza kutevera mumwe munhu.+ Handizodururi zvinopiwa zvavo zvinonwiwa zveropa,+ Handizotakuri mazita avo pamiromo yangu.+   Jehovha ndiye chikamu chomugove wangu+ wandakapiwa nechekapu yangu.+ Makabata zvakasimba mugove wangu.   Tambo dzokuyeresa dzakandiyerera nzvimbo dzinofadza.+ Chokwadi, nzvimbo yangu inondifadza.   Ndicharumbidza Jehovha, akandipa zano.+ Chokwadi, itsvo dzangu dzakandiruramisa usiku.+   Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.+ Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.+   Naizvozvo mwoyo wangu unofara, uye kukudzwa kwangu kunongofara.+ Nyama yangu ichagarawo yakachengeteka.+ 10  Nokuti hamuzosiyi mweya wangu muSheori.+ Hamuzobvumiri akavimbika wenyu kuti aone gomba.+ 11  Muchaita kuti ndizive gwara roupenyu.+ Kufara kunogutsa kuri pamberi pechiso chenyu;+ Kuruoko rwenyu rworudyi kune zvinofadza nokusingaperi.+

Mashoko Emuzasi