Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 142:1-7

Maskiri. Rwiyo rwaDhavhidhi, paaiva mubako.+ Munyengetero. 142  Ndakashevedzera kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndibatsirwe;+ Ndakachema kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndinzwirwe nyasha.+   Ndakaramba ndichidururira kunetseka kwangu pamberi pake;+ Ndakaramba ndichitaura nezvokutambudzika kwangu pamberi pake,+   Simba+ rangu parakapera mukati mangu. Imi makaziva mugwagwa wangu.+ Mugwara randinofamba mariri+ Vakandivanzira chiteyeso.+   Tarirai kuruoko rworudyi muone Kuti hakuna ari kumbondionawo.+ Nzvimbo yangu yokutizira yaparara;+ Hapana ari kubvunza nezvomweya wangu.+   Ndakashevedzera kwamuri, haiwa Jehovha, kuti ndibatsirwe.+ Ndakati: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera,+ Mugove wangu+ munyika yevapenyu.”+   Teererai kuchema kwangu kwokuteterera,+ Nokuti ndava murombo kwazvo.+ Ndinunurei pavatambudzi vangu,+ Nokuti vakasimba kundipfuura.+   Budisai mweya wangu mujeri repasi+ Kuti ndirumbidze zita renyu.+ Vakarurama ngavandiunganire,+ Nokuti munondiitira zvakakodzera.+

Mashoko Emuzasi