Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 13:1-6

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 13  Haiwa Jehovha, muchandikanganwa kusvikira rini?+ Nokusingaperi here?+ Muchandivanzira chiso chenyu kusvikira rini?+   Ndicharamba ndichirwisa mumweya wangu kusvikira rini, Ndiine shungu mumwoyo mangu masikati? Muvengi wangu achakwidziridzwa kundipfuura kusvikira rini?+   Nditarirei; ndipindurei, haiwa Jehovha Mwari wangu. Penyesai maziso angu,+ kuti ndirege kurara murufu,+   Kuti muvengi wangu arege kuti: “Ndamukunda!” Kuti mhandu dzangu dzirege kufarira kuti ndadzedzereswa.+   Asi ini ndakavimba nomutsa wenyu worudo;+ Mwoyo wangu ngaufarire kuponesa kwenyu.+   Ndichaimbira Jehovha, nokuti akandipa mubayiro.+

Mashoko Emuzasi