Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 129:1-8

Rwiyo Rwokukwira. 129  “Vakandivenga kwenguva refu kwazvo kubvira ndichiri muduku,”+ Zvino Israeri ngaadaro,+   “Vakandivenga kwenguva refu kwazvo kubvira ndichiri muduku;+ Asi havana kundikunda.+   Varimi vakarima pamusana wangu;+ Vakaita miforo yavo mirefu.”   Jehovha akarurama.+ Akadimbura-dimbura tambo dzevakaipa.+   Vachanyadziswa vobva vadzoka,+ Ivo vose vaya vanovenga Ziyoni.+   Vachaita souswa hwakasvibirira huri pamatenga edzimba,+ Hunooma+ husati hwadzurwa,   Uhwo mukohwi asingazadzi ruoko rwake nahwo,+ Uyewo uhwo chero munhu upi zvake anosunga zvisote asingazadzi pachipfuva chake nahwo.   Uyewo vaya vanopfuura havana kuti: “Chikomborero chaJehovha ngachive pamuri.+ Takukomborerai tichishandisa zita raJehovha.”+

Mashoko Emuzasi