Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 128:1-6

Rwiyo Rwokukwira. 128  Anofara munhu wose anotya Jehovha,+ Anofamba munzira dzake.+   Nokuti iwe uchadya zvawakashandira zvakaoma nemaoko ako.+ Uchafara uye zvichakufambira zvakanaka.+   Mudzimai wako achaita somuzambiringa unobereka zvibereko+ Mukatikati meimba yako. Vanakomana vako vachaita sotumiti twemiorivhi+ kumativi ose etafura yako.   Tarirai! Ndiko kukomborerwa kuchaitwa murume+ Anotya Jehovha.+   Jehovha achakukomborera muZiyoni.+ Onawo kunaka kweJerusarema mazuva ose oupenyu hwako,+   Uone vanakomana vevanakomana vako.+ Israeri ngaave norugare.+

Mashoko Emuzasi