Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 127:1-5

Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaSoromoni. 127  Kana Jehovha asingavaki imba,+ Vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.+ Kana Jehovha asingarindi guta,+ Murindi anoramba akasvinurira pasina.+   Imi munofumomukira pasina,+ Munononoka kugara pasi muchizviitira pasina,+ Munodya zvokudya zvokutamburira pasina.+ Saizvozvi iye anopa munhu waanoda hope.+   Tarirai! Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha;+ Chibereko chedumbu mubayiro.+   Semiseve iri muruoko rwomurume ane simba,+ Ndizvo zvakaita vanakomana vouduku.+   Anofara murume akazadza+ goba rake navo. Havazonyadziswi,+ Nokuti vachataura nevavengi pagedhi.

Mashoko Emuzasi