Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 123:1-4

Rwiyo Rwokukwira. 123  Ndakatarira kwamuri,+ Haiwa Imi munogara kumatenga.+   Tarirai! Maziso evashumiri zvaanotarira kuruoko rwatenzi wavo,+ Maziso omushandikadzi zvaanotarira kuruoko rwatenzikadzi wake,+ Saizvozvowo maziso edu akatarira kuna Jehovha Mwari wedu+ Kusvikira atinzwira nyasha.+   Tinzwirei nyasha, haiwa Jehovha, tinzwirei nyasha;+ Nokuti takazadzwa nokuzvidzwa kuzhinji.+   Mweya yedu yakazara nokunyomba kuzhinji kwevaya vagere zvakanaka,+ Nokuzvidza kwevaya vanozvitutumadza.+

Mashoko Emuzasi