Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 122:1-9

Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaDhavhidhi. 122  Ndakafara pavaiti kwandiri:+ “Handei+ kuimba yaJehovha.”+   Tsoka dzedu dzakamira+ Mumagedhi ako, haiwa iwe Jerusarema.+   Jerusarema ndiro rakavakwa seguta+ Rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe,+   Uko madzinza akakwira achienda,+ Iwo madzinza aJah,+ Sechiyeuchidzo kuna Israeri+ Kuti anoonga zita raJehovha.+   Nokuti zvigaro zvoumambo zvokutonga zvave zvakagara ikoko,+ Zvigaro zvoumambo zveimba yaDhavhidhi.+   Haiwa, kumbirirai Jerusarema kuti rive norugare.+ Haiwa iwe guta, vaya vanokuda havazonetseki.+   Rugare ngarurambe ruri mukati morusvingo rwako runodzivirira,+ Kusanetseka ngakurambe kuri mushongwe dzako dzokugara.+   Zvino ndichataura nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu ndichiti:+ “Rugare ngaruve mukati mako.”+   Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu+ Ndicharamba ndichikutsvakira zvakanaka.+

Mashoko Emuzasi