Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 121:1-8

Rwiyo Rwokukwira. 121  Ndichasimudza maziso angu kuti nditarire kumakomo.+ Rubatsiro rwangu ruchabva kupi?+   Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,+ Muiti wedenga nenyika.+   Haangabvumiri tsoka yako kuti itsvedzemuke.+ Iye anokurinda haangatsimwairi.+   Tarira! Haazotsimwairi kana kurara,+ Iye ari kurinda Israeri.+   Jehovha ari kukurinda.+ Jehovha ndiye mumvuri+ wako kuruoko rwako rworudyi.+   Zuva harizokurovi masikati,+ Kana mwedzi usiku.+   Jehovha achakurinda pamatambudziko ose.+ Acharinda mweya wako.+   Jehovha acharinda kubuda kwako nokupinda kwako+ Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+

Mashoko Emuzasi