Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 113:1-9

ש [Shin] Achageda-geda mazino ake, onyangarika.+ ת [Taw] Zvinodiwa nevakaipa zvichaparara.+ 113  Rumbidzai Jah!+ Haiwa imi vashumiri vaJehovha, murumbidzei,+ Rumbidzai zita raJehovha.+   Zita raJehovha ngarirumbidzwe+ Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+   Kubvira pakubuda kwezuva kusvikira pakuvira kwaro+ Zita raJehovha rinofanira kurumbidzwa.+   Jehovha ava pamusoro pemarudzi ose;+ Kubwinya kwake kuri pamusoro pematenga.+   Ndiani akaita saJehovha Mwari wedu,+ Iye anogara pakakwirira?+   Anozvideredza kuti atarire denga nenyika,+   Achisimudza munhu akaderera kubva muguruva;+ Anokwidziridza murombo kubva mugomba remadota,+   Kuti aite kuti agare nevanokudzwa,+ Nevanokudzwa vevanhu vake.+   Anoita kuti mukadzi asingabereki agare mumba+ Saamai vanofara vevanakomana.+ Rumbidzai Jah!+

Mashoko Emuzasi