Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 112:1-10

ש [Sin] Vose vanoita mirayiro yake vane njere dzakanaka.+ ת [Taw] Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.+ 112  Rumbidzai Jah!+ א [ʼA′leph]* Anofara munhu anotya Jehovha,+ ב [Behth] Akafarira+ kwazvo mirayiro+ yake. ג [Gi′mel]   Vana vake vachava nesimba panyika.+ ד [Da′leth] Chizvarwa chevakarurama chichakomborerwa.+ ה [Heʼ]   Zvinhu zvinokosha nepfuma zviri mumba make;+ ו [Waw] Kururama kwake kunogara kuripo nokusingaperi.+ ז [Za′yin]   Akapenya murima sechiedza kune vakarurama.+ ח [Chehth] Ane nyasha nengoni uye akarurama.+ ט [Tehth]   Munhu ane nyasha+ neanokweretesa+ akanaka. י [Yohdh] Anotsigira mabasa ake nokururamisira.+ כ [Kaph]   Chokwadi hapana nguva yaachazombozununguswa.+ ל [La′medh] Munhu akarurama achayeukwa nokusingagumi.+ מ [Mem]   Haazotyi kunyange mashoko akaipa.+ נ [Nun] Mwoyo wake wakasimba,+ wakaitwa kuti uvimbe naJehovha.+ ס [Sa′mekh]   Mwoyo wake hauzununguki;+ haazotyi,+ ע [ʽA′yin] Kusvikira aona mhandu dzake dziri pasi.+ פ [Peʼ]   Akapa norupo rukuru; akapa varombo.+ צ [Tsa·dheh′] Kururama kwake kunogara nokusingaperi.+ ק [Qohph] Nyanga yake ichakwidziridzwa nokukudzwa.+ ר [Rehsh] 10  Munhu akaipa achazviona onetseka kwazvo.+

Mashoko Emuzasi

Pis 112:1* Iri ndiro bhii rokutanga rearufabheti yechiHebheru. Pakutanga Pisarema iri rakanyorwa mukutevedzana kwearufabheti.