Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 111:1-10

111  Rumbidzai Jah!+ א [ʼA′leph]* Ndicharumbidza Jehovha nomwoyo wangu wose+ ב [Behth] Ndiri muboka revakarurama vanoshamwaridzana+ uye muungano.+ ג [Gi′mel]   Mabasa aJehovha makuru,+ ד [Da′leth] Anotsvakwa navose vaya vanoafarira.+ ה [Heʼ]   Basa rake+ ndiko kukudzwa nokubwinya,+ ו [Waw] Kururama kwake kunogara nokusingaperi.+ ז [Za′yin]   Akaita chiyeuchidzo nokuda kwemabasa ake anoshamisa.+ ח [Chehth] Jehovha ane nyasha nengoni.+ ט [Tehth]   Akapa vaya vanomutya zvokudya.+ י [Yohdh] Achayeuka sungano yake nokusingagumi.+ כ [Kaph]   Akaudza vanhu vake simba remabasa ake,+ ל [La′medh] Paakavapa nhaka yemamwe marudzi.+ מ [Mem]   Mabasa emaoko ake ichokwadi nokururamisira;+ נ [Nun] Mirayiro yose yaanopa yakavimbika,+ ס [Sa′mekh]   Inonyatsotsigirwa nokusingaperi, nokusingagumi,+ ע [ʽA′yin] Inoitwa muchokwadi nokururama.+ פ [Peʼ]   Akatumira vanhu vake rudzikinuro.+ צ [Tsa·dheh′] Akarayira kuti sungano yake ivepo nokusingagumi.+ ק [Qohph] Zita rake idzvene uye rinotyisa.+ ר [Rehsh] 10  Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri.+

Mashoko Emuzasi

Pis 111:1* Iri ndiro bhii rokutanga rearufabheti yechiHebheru. Pakutanga Pisarema iri rakanyorwa mukutevedzana kwearufabheti.