Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 11:1-7

Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. 11  Ini ndakapotera kuna Jehovha.+ Imi mungati sei kumweya wangu: “Tizirai kugomo renyu sezvinoita shiri!+   Nokuti tarirai! vakaipa vanokunga uta,+ Vanokunga museve wavo pauta, Kuti vapfure vane mwoyo yakarurama murima.+   Nheyo padzinoputswa,+ Munhu akarurama angaitei?”   Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+ Jehovha—chigaro chake choumambo chiri kumatenga.+ Maziso ake anoona, maziso ake anopenya anoongorora+ vanakomana vevanhu.   Jehovha anoongorora munhu akarurama pamwe chete neakaipa,+ Mweya wake unovenga munhu wose anoda zvechisimba.+   Achanayisira vakaipa zviteyeso, moto nesarufa+ Nemhepo inopisa, kuti uve mugove wekapu yavo.+   Nokuti Jehovha akarurama;+ anoda mabasa akarurama.+ Vakarurama ndivo vachaona chiso chake.+

Mashoko Emuzasi