Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Pisarema 1:1-6

1  Anofara+ munhu asingafambi maererano nezano revakaipa,+ Asingamiri munzira yevatadzi,+ Asingagari pachigaro chevaseki.+   Asi anofarira mutemo waJehovha,+ Anoverenga mutemo wake nenzwi riri pasi masikati nousiku.+   Achava somuti wakadyarwa pedyo nehova dzemvura,+ Unobereka michero yawo mumwaka wawo+ Uye une mashizha asingasvavi,+ Uye zvose zvaanoita zvichabudirira.+   Vakaipa havana kudaro, Asi vakaita sehundi inopeperetswa nemhepo.+   Ndokusaka vakaipa vasingazomiri pakutongwa,+ Nevatadzi vasingazomiriwo muungano yevakarurama.+   Nokuti Jehovha anoziva nzira yevakarurama,+ Asi nzira yevakaipa ichaparara.+

Mashoko Emuzasi