Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 93:1-5

93  Jehovha ava mambo!+ Akapfeka ukuru;+ Jehovha akapfeka—akazvisunga nesimba.+ Nyika inobereka inosimbiswawo kuitira kuti irege kuzununguswa.+   Chigaro chenyu choumambo chakasimbiswa kwazvo kubvira kare kare;+ Imi mave muripo kubvira kare kare.+   Nzizi dzakanzwika, haiwa Jehovha, Nzizi dzakaita kuti ruzha rwadzo runzwike;+ Nzizi dzinoramba dzichiita kuti kutinhira kwadzo kunzwike.+   Pamusoro pokutinhira kwemvura zhinji, iwo mafungu egungwa ane simba,+ Jehovha ane simba+ kumusoro.   Zviyeuchidzo zvenyu zvakavimbika kwazvo.+ Utsvene hunokodzera imba yenyu,+ haiwa Jehovha, nokuda kwemazuva mazhinji.+

Mashoko Emuzasi