Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 75:1-10

Kumutungamiriri. “Musaparadza.” Rwiyo rwaAsafi.+ Rumbo. 75  Tinokuongai, haiwa Mwari; tinokuongai,+ Zita renyu riri pedyo.+ Vanhu vanofanira kuzivisa mabasa enyu anoshamisa.+   “Nokuti ndakatara nguva;+ Ini ndakatanga kutonga nokururama.+   Nyika nevagari vayo vose zvichinyungudutswa,+ Ndini ndakagadzirisa mbiru dzayo.”+ Sera.   Ndakati kumapenzi: “Musaita zvoupenzi,”+ Uye kune vakaipa: “Musakwidziridza nyanga.+   Musakwidziridzira nyanga yenyu kumusoro. Musataura nomutsipa unozvitutumadza.+   Nokuti kumabvazuva kana kumavirira, Kana kumaodzanyemba, hakusi iko kunobva kukwidziridzwa.   Nokuti Mwari ndiye mutongi.+ Anoderedza uyu, okwidziridza uyo.+   Nokuti muruoko rwaJehovha mune kapu,+ Uye waini yacho iri kupupuma, izere nezvakasanganiswa. Achadurura masese ayo achibva mairi; Vakaipa vose vepanyika vachaasvina, vonwa.”+   Asi ini ndichazivisa nezvazvo nokusingagumi; Ndichaimbira Mwari waJakobho rwiyo.+ 10  “Ndichagura nyanga dzose dzevakaipa.”+ Nyanga dzevakarurama dzichakwidziridzwa.+

Mashoko Emuzasi