Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 61:1-8

Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaDhavhidhi. 61  Haiwa Mwari, inzwai kuchema kwangu kwokuteterera.+ Inzwai munyengetero wangu.+   Ndichashevedzera kwamuri ndiri kumugumo wenyika, mwoyo wangu pauchashayiwa simba.+ Nditungamirirei padombo rakakwirira kundipfuura.+   Nokuti muri nzvimbo yangu yokupotera,+ Shongwe yakasimba pandinonangana nomuvengi.+   Ndichava mueni mutende renyu nokusingagumi;+ Ndichapotera munzvimbo yokuvanda yemapapiro enyu.+ Sera.   Nokuti imi, haiwa Mwari, makateerera mhiko dzangu.+ Makandipa nhaka yevaya vanotya zita renyu.+   Muchawedzera mamwe mazuva pamazuva amambo;+ Makore ake achaenzana neezvizvarwa nezvizvarwa.+   Achagara pamberi paMwari nokusingagumi;+ Haiwa mupei mutsa worudo nechokwadi, kuti izvi zvimuchengetedze.+   Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nokusingaperi,+ Kuti ndiripe mhiko dzangu zuva nezuva.+

Mashoko Emuzasi