Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 24:1-10

Rwiyo rwaDhavhidhi. 24  Nyika nezvizere mairi ndezvaJehovha,+ Nyika inobereka nevaya vanogara mairi.+   Nokuti iye akaisimbisa kwazvo pamusoro pemakungwa,+ Uye anoramba akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.+   Ndiani angakwira mugomo raJehovha,+ Uye ndiani angasimuka munzvimbo yake tsvene?+   Ani naani ane maoko asina mhosva neane mwoyo wakachena,+ Asina kuitira mweya Wangu zvinhu zvisina zvazvinobatsira,+ Kana kuti kuita mhiko nokunyengera.+   Achagamuchira chikomborero kubva kuna Jehovha+ Nokururama kubva kuna Mwari wake woruponeso.+   Ichi ndicho chizvarwa chevaya vanomutsvaka, Chevaya vanotsvaka chiso chenyu, haiwa Mwari waJakobho.+ Sera.   “Simudzai misoro yenyu, haiwa imi magedhi,+ Simukai, haiwa imi masuo anogara kwenguva refu,+ Kuti Mambo anokudzwa apinde!”+   “Saka, ndiani uyu Mambo anokudzwa?”+ “Ndiye Jehovha akasimba uye ane simba,+ Iye Jehovha ane simba pakurwa.”+   “Simudzai misoro yenyu, haiwa imi magedhi;+ Chokwadi, isimudzei, haiwa imi masuo anogara kwenguva refu, Kuti Mambo anokudzwa apinde!”+ 10  “Saka, ndiani iye, uyu Mambo anokudzwa?” “Jehovha wemauto—ndiye Mambo anokudzwa.”+ Sera.

Mashoko Emuzasi