Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 16:1-11

Miktamu yaDhavhidhi. 16  Ndichengetei, haiwa Mwari, nokuti ndakapotera kwamuri.+   Ndakati kuna Jehovha: “Ndimi Jehovha; kunaka kwangu hakubatsiri imi,+   Asi vatsvene vari munyika.Ivo, kunyange vakuru vacho, ndivo vandinofarira kwazvo.”+   Marwadzo anowandira vaya vanokurumidza kutevera mumwe munhu.+Handizodururi zvinopiwa zvavo zvinonwiwa zveropa,+Handizotakuri mazita avo pamiromo yangu.+   Jehovha ndiye chikamu chomugove wangu+ wandakapiwa nechekapu yangu.+Makabata zvakasimba mugove wangu.   Tambo dzokuyeresa dzakandiyerera nzvimbo dzinofadza.+Chokwadi, nzvimbo yangu inondifadza.   Ndicharumbidza Jehovha, akandipa zano.+Chokwadi, itsvo dzangu dzakandiruramisa usiku.+   Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose.+Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.+   Naizvozvo mwoyo wangu unofara, uye kukudzwa kwangu kunongofara.+Nyama yangu ichagarawo yakachengeteka.+ 10  Nokuti hamuzosiyi mweya wangu muSheori.+Hamuzobvumiri akavimbika wenyu kuti aone gomba.+ 11  Muchaita kuti ndizive gwara roupenyu.+Kufara kunogutsa kuri pamberi pechiso chenyu;+Kuruoko rwenyu rworudyi kune zvinofadza nokusingaperi.+

Mashoko Emuzasi