Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 15:1-5

Rwiyo rwaDhavhidhi. 15  Haiwa Jehovha, ndiani angava mueni mutende renyu?+ Ndiani angagara mugomo renyu dzvene?+   Ndiye anofamba asina mhosva+ uye anoita zvakarurama+ Uye anotaura chokwadi mumwoyo make.+   Iye anenge asina kuchera vamwe norurimi rwake.+ Anenge asina chakaipa chaakaitira shamwari yake,+ Anenge asina kuzvidza waanonyatsozivana naye.+   Iye anoramba munhu wose anozvidzwa,+ Asi anokudza vaya vanotya Jehovha.+ Anoti kana apika, kunyange zvikazomuipira, haachinji.+   Anenge asina kupa mari yake achizoreva mubereko,+ Anenge asina kutora pfumbamuromo yokupomera munhu asina mhosva.+ Munhu anoita zvinhu izvi haazombozununguswi.+

Mashoko Emuzasi