Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 130:1-8

Rwiyo Rwokukwira. 130  Haiwa Jehovha, ndakashevedzera kwamuri ndiri munzvimbo dzakadzika.+   Haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.+ Nzeve dzenyu ngadziteerere inzwi rokuteterera kwangu.+   Haiwa Jah, kudai maitarira kukanganisa,+ Haiwa Jehovha, ndiani aizomira?+   Nokuti imi munokanganwira zvechokwadi,+ Kuti mutyiwe.+   Haiwa Jehovha, ndakava netariro, mweya wangu wakava netariro,+ Uye ndakamirira shoko rake.+   Mweya wangu wakamirira Jehovha+ Kupfuura varindi vanomirira mangwanani,+ Vanenge vachimirira mangwanani.+   Israeri ngaarambe akamirira Jehovha.+ Nokuti Jehovha ane mutsa worudo,+ Uye anodzikinura kwazvo.+   Iye achadzikinura Israeri mukukanganisa kwake kwose.+

Mashoko Emuzasi