Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Mapisarema 127:1-5

Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaSoromoni. 127  Kana Jehovha asingavaki imba,+Vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina.+Kana Jehovha asingarindi guta,+Murindi anoramba akasvinurira pasina.+   Imi munofumomukira pasina,+Munononoka kugara pasi muchizviitira pasina,+Munodya zvokudya zvokutamburira pasina.+Saizvozvi iye anopa munhu waanoda hope.+   Tarirai! Vanakomana inhaka inobva kuna Jehovha;+Chibereko chedumbu mubayiro.+   Semiseve iri muruoko rwomurume ane simba,+Ndizvo zvakaita vanakomana vouduku.+   Anofara murume akazadza+ goba rake navo.Havazonyadziswi,+Nokuti vachataura nevavengi pagedhi.

Mashoko Emuzasi