Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 125:1-5

Rwiyo Rwokukwira. 125  Vaya vanovimba naJehovha+ Vakaita seGomo reZiyoni,+ risingagoni kuzununguswa, asi rinogara nokusingagumi.+   Jerusarema—zvarakapoteredzwa nemakomo,+ Saizvozvowo Jehovha akapoteredza vanhu vake+ Kubvira zvino kusvikira nokusingagumi.+   Nokuti tsvimbo youmambo yezvakaipa haizorambi ichizorora+ pamugove wevakarurama, Kuti vakarurama varege kutambanudza maoko avo kuti vaite chero zvakaipa zvipi zvazvo.+   Haiwa itai zvakanaka, haiwa Jehovha, kune vaya vakanaka,+ Kunyange kune vaya vane mwoyo yakarurama.+   Asi vaya vanotsaukira kunzira dzavo dzisina kururama,+ Jehovha achavabvisa pamwe chete nevanoita zvinhu zvinokuvadza.+ Israeri achava norugare.+

Mashoko Emuzasi