Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Sarudza Mutauro Shona

Mapisarema 122:1-9

Rwiyo Rwokukwira. Rwiyo rwaDhavhidhi. 122  Ndakafara pavaiti kwandiri:+“Handei+ kuimba yaJehovha.”+   Tsoka dzedu dzakamira+Mumagedhi ako, haiwa iwe Jerusarema.+   Jerusarema ndiro rakavakwa seguta+Rakabatanidzwa pamwe chete kuva rimwe,+   Uko madzinza akakwira achienda,+Iwo madzinza aJah,+Sechiyeuchidzo kuna Israeri+Kuti anoonga zita raJehovha.+   Nokuti zvigaro zvoumambo zvokutonga zvave zvakagara ikoko,+Zvigaro zvoumambo zveimba yaDhavhidhi.+   Haiwa, kumbirirai Jerusarema kuti rive norugare.+Haiwa iwe guta, vaya vanokuda havazonetseki.+   Rugare ngarurambe ruri mukati morusvingo rwako runodzivirira,+Kusanetseka ngakurambe kuri mushongwe dzako dzokugara.+   Zvino ndichataura nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu ndichiti:+“Rugare ngaruve mukati mako.”+   Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu+Ndicharamba ndichikutsvakira zvakanaka.+

Mashoko Emuzasi