Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 120:1-7

Rwiyo Rwokukwira. 120  Ndakashevedzera kuna Jehovha ndichitambudzika,+ Iye akandipindura.+   Haiwa Jehovha, nunurai mweya wangu pamiromo yenhema,+ Parurimi runonyengera.+   Munhu achakupei, uye munhu achakuwedzerei, Haiwa iwe rurimi runonyengera?+   Miseve yakarodzwa yomurume ane simba,+ Pamwe chete nemarasha anobvira emiti yemitsvairo.+   Ndine nhamo, nokuti ndakagara ndiri mutorwa muMesheki!+ Ndakagara pamwe chete nematende eKedhari.+   Mweya wangu wakagara kwenguva refu kwazvo+ Nevanovenga rugare.+   Ndinomiririra rugare;+ asi pandinotaura, Ivo vanoda zvehondo.+

Mashoko Emuzasi