Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Mapisarema 12:1-8

Kumutungamiriri wokurira kunonzwikira pasi pasi.+ Rwiyo rwaDhavhidhi. 12  Ndiponesei,+ haiwa Jehovha, nokuti hapasisina munhu akavimbika;+ Nokuti vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanakomana vevanhu.   Vanoramba vachitaurirana nhema;+ Vanoramba vachitaura nomuromo unonyengera+ kunyange nemwoyo miviri.+   Jehovha achacheka miromo yose inonyengera, Pamwe chete norurimi runotaura zvinhu zvikuru,+   Vaya vakati: “Tichakunda norurimi rwedu.+ Tine miromo yedu. Ndiani achava tenzi wedu?”   “Nokuda kwokupambwa kwevanotambudzika, nokuda kwokugomera kwevarombo,+ Ndichasimuka panguva ino,” anodaro Jehovha.+ “Ndichamuchengetedza pamunhu wose anomushora.”+   Mashoko aJehovha mashoko akachena,+ Sesirivha yakanatswa muvira rokunyungudutsira repanyika, yakacheneswa kanomwe.   Haiwa Jehovha, imi muchavarinda;+ Muchachengeta mumwe nomumwe pachizvarwa ichi nokusingagumi.   Vakaipa vanofamba kumativi ose, Nokuti zvakaipa zvinokwidziridzwa pakati pevanakomana vevanhu.+

Mashoko Emuzasi