Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Jobho 35:1-16

35  Zvino Erihu akaenderera mberi achipindura kuti:   “Izvi ndizvo zvawaona sokururamisira here? Wati, ‘Kururama kwangu kunopfuura kwaMwari.’+   Nokuti unoti, ‘Kunokubatsirei?+ Zvinondibatsirei kupfuura zvandinowana pakutadza kwangu?’+   Ini ndichakupindura Pamwe chete neshamwari+ dzako dzauinadzo.   Tarira kudenga,+ uone, Uone makore,+ kuti akakwirira kukupfuura.   Kana ukatadza, unomuitei?+ Kana kumukira kwako kukawedzera, unomuitei?   Kana chokwadi wakarurama, unomupei, Kana kuti chii chaanogamuchira chinobva paruoko rwako?+   Zvakaipa zvako zvingaitirwa munhu akafanana newe,+ Uye zvakarurama zvako zvingaitirwa mwanakomana womunhu wepanyika.+   Vanoramba vachishevedzera kuti vabatsirwe nokuda kwokudzvinyirirwa kuzhinji;+ Vanoramba vachichemera kubatsirwa nokuda kwemaoko evane simba.+ 10  Asi hapana anoti, ‘Mwari, Muiti wangu Mukuru+ ari kupi, Iye anoita kuti nziyo dziimbwe usiku?’+ 11  Ndiye anotidzidzisa+ kupfuura mhuka dzepanyika,+ Iye anoita kuti tive vakachenjera kupfuura zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga. 12  Vanoramba vachishevedzera, asi iye haapinduri,+ Nokuda kwokudada+ kwevakaipa. 13  Mwari haamboteereri nhema,+ Uye Wemasimbaose haadzitariri.+ 14  Zvino zvakadini paunoti haumuoni!+ Mhosva iri pamberi pake, saka unofanira kumumirira nomwoyo wose.+ 15  Asi zvino, nokuti kutsamwa kwake hakuna kuita kuti pave nokuzvidavirira,+ Haana kucherechedzawo kukurumidzira zvinhu kwakanyanyisa.+ 16  Zvino Jobho anoshama kwazvo muromo wake pasina; Anowanza mashokowo zvawo asina zivo.”+

Mashoko Emuzasi