Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Jobho 26:1-14

26  Zvino Jobho akapindura, akati:   “Haiwa, wave uri rubatsiro rwakadini kumunhu asina simba! Haiwa, waponesa ruoko rusina simba zvakadini!+   Warayira munhu asina uchenjeri zvakadini,+ Uye waita kuti uchenjeri hunobatsira huzivikanwe nevazhinji!   Ndiani wawaudza mashoko? Mhepo yokufema yabuda mauri ndeyaani?   Vaya vasina simba vari murufu vanoramba vachidedera Vari pasi pemvura pamwe chete nezviya zvinogara mairi.+   Sheori haina kupfeka pamberi pake,+ Nzvimbo yokuparadza haina chokufuka.   Anotatamura kuchamhembe panzvimbo isina chinhu,+ Achiturika nyika pasina chinhu;   Achiputira mvura mumakore ake,+ Zvokuti gore gobvu haritsemurwi nayo;   Achifukidza chigaro choumambo, Achiwarira gore rake pamusoro pacho.+ 10  Akatara denderedzwa pamusoro pemvura,+ Kusvikira kunogumira chiedza murima. 11  Mbiru dzedenga dzinozununguka, Uye dzinoshamiswa nokutuka kwake. 12  Anonyandura gungwa nesimba rake,+ Anogura-gura+ mudenhi+ achishandisa kunzwisisa kwake. 13  Anobwinyisa denga nemhepo yake,+ Ruoko rwake rwakabaya nyoka inozvongonyoka.+ 14  Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake,+ Uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake! Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”+

Mashoko Emuzasi