Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Jobho 17:1-16

17  “Simba rangu roupenyu raputsika,+ mazuva angu apera; Guva randimirira.+   Ndiri kusekwa,+ Ziso rangu rinoramba richiona kupandukira kwavo.   Ndapota, ndichengeterei chokumbofanobata changu.+ Ndianizve achabatana maoko+ neni sechokumbofanobata?   Nokuti makavharira mwoyo yavo kungwara.+ Ndokusaka musingavakwidziridzi.   Iye angaudza shamwari kuti dzitore migove yadzo, Asi maziso evanakomana vake achaneta.+   Iye akandiita chirevo+ chemarudzi, Zvokuti ndava munhu anopfirwa mate muchiso.+   Ziso rangu harichaoni nokuda kwenhamo+ Uye nhengo dzangu dzose dzaita somumvuri.   Vanhu vakarurama vanoramba vakatarira vachishamisika neizvi, Kunyange munhu asina mhosva anogumbukira mutsauki.   Munhu akarurama anoomerera panzira yake,+ Uye ane maoko akachena+ anoramba achiwedzera simba.+ 10  Zvisinei, imi mose tangaizve. Naizvozvo ndapota, rambai muchidaro, Zvandisingawani akachenjera pakati penyu.+ 11  Mazuva angu apfuura,+ zvirongwa zvangu zvakundikana,+ Izvo zvinhu zvaidiwa nomwoyo wangu. 12  Vanoramba vachiita kuti usiku huve masikati vachiti:+ ‘Chiedza chiri pedyo nokuda kwerima.’ 13  Kana ndikaramba ndakamirira, Sheori ndiyo imba yangu;+ Ndichawaridza mubhedha wangu murima.+ 14  Ndichashevedzera kugomba+ ndichiti, ‘Ndiwe baba vangu!’ Kuhonye+ ndichiti, ‘Ndiwe amai vangu nehanzvadzi yangu!’ 15  Saka zvino, tariro yangu iri kupi?+ Uye kana iri tariro yangu—ndianiko anoiona? 16  Ichaburukira kumizariro yeSheori, Isu tose patichaburukira kuguruva.”+

Mashoko Emuzasi