Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Isaya 38:1-22

38  Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa.+ Naizvozvo muprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi akapinda maaiva, akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Rayira imba yako,+ nokuti iwe uchafa, hauzorarami.’”+  Hezekiya akabva atendeudzira chiso chake kumadziro,+ akatanga kunyengetera kuna Jehovha+  akati: “Ndinokukumbirai kwazvo, haiwa Jehovha, ndapota, yeukai+ kufamba+ kwandakaita pamberi penyu muchokwadi+ uye nomwoyo wakakwana,+ uye ndakaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akatanga kusvimha misodzi kwazvo.+  Zvino shoko+ raJehovha rakauya kuna Isaya, richiti:  “Enda uti kuna Hezekiya, ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru+ vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako.+ Ndaona misodzi yako.+ Tarira ndichawedzera makore gumi nemashanu pamazuva ako;+  ndichakununura iwe neguta rino muchanza chamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino.+  Ichi ndicho chiratidzo chako chinobva kuna Jehovha chokuti Jehovha achaita zvaataura:+  Tarira ndichaita kuti mumvuri wematanho wanga wadzikiswa nezuva+ pamatanho echikwiriso chaAhazi udzokere shure nhanho gumi.”’”+ Zvino zuva rakadzokera shure zvishoma nezvishoma nhanho gumi pamatanho echikwiriso arakanga radzika.+  Izvi ndizvo zvakanyorwa naHezekiya mambo waJudha, paakarwara+ akapora paurwere hwake.+ 10  Ini ndakati: “Ndichapinda mumagedhi+ eSheori pakati pemazuva angu. Ndichanyimwa makore angu asara.”+ 11  Ndakati: “Handichazooni Jah, iye Jah, munyika yevapenyu.+ Handichazotaririzve vanhu—pamwe chete nevagari venyika inoguma. 12  Nzvimbo yangu yokugara yadzurwa+ uye yabviswa kwandiri setende revafudzi. Ndapeta upenyu hwangu somuruki; Munhu anondigura+ pashinda dzinochinjika. Munoramba muchindigamuchidza kubvira masikati kusvikira usiku.+ 13  Ndazvinyaradza kusvikira mangwanani.+ Anoramba achityora mapfupa angu ose sezvinoitwa neshumba;+ Munoramba muchindigamuchidza kubvira masikati kusvikira usiku.+ 14  Naizvozvo ndinoramba ndichirira semherepere, segwenhure;+ Ndinoramba ndichigururudza senjiva.+ Maziso angu aneta nokutarira kumusoro:+ ‘Haiwa Jehovha, ndakadzvinyirirwa. Ndimiririrei zvakanaka.’+ 15  Ndichataurei, uye iye achatii kwandiri?+ Iye ndiye akazviitawo.+ Ndinoramba ndichifamba makore angu ose mweya wangu uchirwadziwa.+ 16  ‘Haiwa Jehovha, vanoramba vachirarama nokuda kwaizvozvo; uye sevanhu vose, ndizvo zvakaita simba roupenyu hwangu.+ Muchaita kuti ndivezve noutano mondichengetedza ndiri mupenyu.+ 17  Tarirai! Ndakashungurudzika panzvimbo pokuva norugare, chokwadi ndakashungurudzika;+ Imi makada mweya wangu kwazvo mukaudzivirira pagomba rokuparadzwa.+ Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.+ 18  Nokuti Sheori haisiyo inogona kukurumbidzai;+ irwo rufu harugoni kukurumbidzai.+ Vaya vari kuburukira mugomba havagoni kutarira pakutendeka kwenyu netariro.+ 19  Mupenyu, iye mupenyu, ndiye anogona kukurumbidzai,+ Sezvandinogona kuita nhasi.+ Baba vanogona kupa vanakomana vavo zivo+ pamusoro pokutendeka kwenyu. 20  Haiwa Jehovha, ndiponesei,+ uye ticharidza nziyo dzangu pazviridzwa zvine tambo+ Mazuva ose oupenyu hwedu paimba yaJehovha.’”+ 21  Zvino Isaya akati: “Ngavatore keke remaonde akasvinwa akaomeswa, varikwizire pamota,+ kuti apore.”+ 22  Munguva iyi, Hezekiya akati: “Chiratidzo chokuti ndichaenda kuimba yaJehovha chii?”+

Mashoko Emuzasi