Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Isaya 12:1-6

12  Zvino pazuva iroro+ chokwadi iwe uchati: “Ndichakuongai, haiwa Jehovha, nokuti kunyange makanditsamwira kwazvo, kutsamwa kwenyu kwakazopera,+ imi mukandinyaradza.+  Tarirai! Mwari ndiye ruponeso rwangu.+ Ndichavimba naye uye handingatyi;+ nokuti Jah Jehovha ndiye simba rangu+ nedziviriro yangu,+ iye akava ruponeso rwangu.”+  Muchachera mvura pazvitubu zvoruponeso muchipembera nomufaro.+  Pazuva iroro muchati: “Ongai Jehovha!+ Danai zita rake.+ Zivisai zvaakaita pakati pemarudzi.+ Taurai kuti zita rake rikwidziridzwe.+  Imbirai Jehovha,+ nokuti akaita zvinhu zvikuru kwazvo.+ Izvi zvinoziviswa munyika yose.  “Pururudza ushevedzere nokufara, haiwa iwe mukadzi anogara muZiyoni, nokuti mukuru ari pakati pako ndiye Mutsvene waIsraeri.”+

Mashoko Emuzasi