Accessibility setting

Sarudza Mutauro

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Enda pane zvauri kuda

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti

SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Genesisi 5:1-32

5  Iri ndiro bhuku renhoroondo yaAdhamu. Zuva rakasikwa Adhamu naMwari, akamuita akafanana naMwari.+  Akavasika munhurume nomunhukadzi.+ Pashure paizvozvo akavakomborera, akavatumidza kuti Munhu+ zuva ravakasikwa.+  Adhamu akararama kwemakore zana nemakumi matatu, akazobereka mwanakomana akafanana naye, akatodzana naye, akamutumidza kuti Seti.+  Mazuva aAdhamu pashure pokunge abereka Seti akasvika makore mazana masere. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.+  Naizvozvo mazuva ose aAdhamu aakararama akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi matatu uye iye akafa.+  Seti akararama kwemakore zana nemashanu, akazobereka Inoshi.+  Abereka Inoshi, Seti akararama kwemakore mazana masere nemanomwe. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana.  Naizvozvo mazuva ose aSeti akasvika makore mazana mapfumbamwe negumi nemaviri uye iye akafa.  Inoshi akararama kwemakore makumi mapfumbamwe, akazobereka Kinani.+ 10  Abereka Kinani, Inoshi akararama kwemakore mazana masere negumi nemashanu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 11  Naizvozvo mazuva ose aInoshi akasvika makore mazana mapfumbamwe nemashanu uye iye akafa. 12  Kinani akararama kwemakore makumi manomwe, akazobereka Maharareri.+ 13  Abereka Maharareri, Kinani akararama kwemakore mazana masere nemakumi mana. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 14  Naizvozvo mazuva ose aKinani akasvika makore mazana mapfumbamwe negumi uye iye akafa. 15  Maharareri akararama kwemakore makumi matanhatu nemashanu, akazobereka Jaredhi.+ 16  Abereka Jaredhi, Maharareri akararama kwemakore mazana masere nemakumi matatu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 17  Naizvozvo mazuva ose aMaharareri akasvika makore mazana masere nemakumi mapfumbamwe nemashanu uye iye akafa. 18  Jaredhi akararama kwemakore zana nemakumi matanhatu nemaviri, akazobereka Inoki.+ 19  Abereka Inoki, Jaredhi akararama kwemakore mazana masere. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 20  Naizvozvo mazuva ose aJaredhi akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemaviri uye iye akafa. 21  Inoki akararama kwemakore makumi matanhatu nemashanu, akazobereka Metusera.+ 22  Abereka Metusera, Inoki akaramba achifamba naMwari wechokwadi kwemakore mazana matatu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 23  Naizvozvo mazuva ose aInoki akasvika makore mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu. 24  Inoki akaramba achifamba+ naMwari wechokwadi.+ Haana kuzovapo, nokuti Mwari akamutora.+ 25  Metusera akararama kwemakore zana nemakumi masere nemanomwe, akazobereka Rameki.+ 26  Abereka Rameki, Metusera akararama kwemakore mazana manomwe nemakumi masere nemaviri. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 27  Naizvozvo mazuva ose aMetusera akasvika makore mazana mapfumbamwe nemakumi matanhatu nemapfumbamwe uye iye akafa. 28  Rameki akararama kwemakore zana nemakumi masere nemaviri, akazobereka mwanakomana. 29  Akamutumidza kuti Noa,+ achiti: “Uyu achatinyaradza pabasa redu nepakurwadziwa kwemaoko edu kunobva panyika yakatukwa naJehovha.”+ 30  Abereka Noa, Rameki akararama kwemakore mazana mashanu nemakumi mapfumbamwe nemashanu. Munguva iyi akabereka vanakomana nevanasikana. 31  Naizvozvo mazuva ose aRameki akasvika makore mazana manomwe nemakumi manomwe nemanomwe uye iye akafa. 32  Zvino Noa akanga ane makore mazana mashanu. Pashure paizvozvo Noa akabereka Shemu,+ Hamu+ naJafeti.+

Mashoko Emuzasi