Enda pane zvauri kuda

Enda kuMenu Inodzika Kuruboshwe

Enda pakanzi zviri mukati

Zvapupu zvaJehovha

Shona

Bhaibheri repaIndaneti | SHANDURO YENYIKA ITSVA YEMAGWARO MATSVENE

Esteri 10:1-3

10  Zvino Mambo Ahashivheroshi akaitisa nyika nezvitsuwa+ zvegungwa basa rokumanikidzirwa.+  Zvino basa rake rose resimba nokuva kwake nesimba nemashoko chaiwo oukuru hwaModhekai+ hwaakakudzwa nahwo+ namambo, hazvina kunyorwa muBhuku rezvakaitika+ panguva dzemadzimambo eMedhiya nePezhiya+ here?  Nokuti Modhekai muJudha aiva wechipiri+ kuna Mambo Ahashivheroshi uye aiva mukuru pavaJudha, aifarirwa nehama dzake zhinji, achishanda kuti aitire vanhu vake zvakanaka uye achitaura nezvorugare+ kuvana vavo vose.

Mashoko Emuzasi