IVA SHAMWARI YAJEHOVHA
Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu
Ngatidzidzei nezvevamwe vakadzi vakatendeka vatinoda kutevedzera.
Vabereki, verengai 1 Petro 3:4, 5 nevana venyu mokurukura navo vhesi yacho.
Dhaunirodhai moprinda pepa iri.
Tinogona kudzidza pane zvakaitwa nevakadzi vakatendeka vekare vanotaurwa muBhaibheri uye vemazuva ano, tovatevedzera. Kana mapedza kuona vhidhiyo inonzi Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu, kurukurai mavhesi arimo uye kalai mapikicha acho. Batsirai vana venyu kuti vape hanzvadzi dzakatendeka dziri muungano mapikicha acho.