IVA SHAMWARI YAJEHOVHA
Unhu hwaJehovha
Unhu hupi 4 huna hunonyanya kuratidzwa mune zvinhu zvakasikwa?
Vabereki verengai nevana venyu Zvakazarurwa 4:11, mokurukura navo vhesi yacho.
Dhaunirodhai moprinda pepa iri.
Pashure pekunge maona vhidhiyo inonzi Unhu hwaJehovha, batsirai vana venyu kuti vazive unhu 4 hunonyanya kuratidzwa naJehovha. Chekai mapikicha eshumba, gondo, mukono wemombe uye munhu ari papeji 1. Kana mapedza, namirai mapikicha acho paanofanira kuenda pamufananidzo uri papeji 2 wabuda muvhidhiyo yamaona. Kurukurai kuti pikicha imwe neimwe inoratidza sei unhu hwainomiririra. Kuti muzive zvakawanda nezveunhu uhwu, onai chitsauko 4 chebhuku rinonzi Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena!