IVA SHAMWARI YAJEHOVHA
Ndiani Wandinofanira Kushamwaridzana Naye?
Shandisai pepa rino kuti mubatsire vana venyu kuwana shamwari muungano.
Vabereki verengai nevana venyu Zvirevo 13:20, mokurukura navo vhesi yacho.
Dhaunirodhai moprinda pepa iri.
Kuti tiwane shamwari dzakanaka tinofanira kuedza kutaura nevamwe kunyange zvazvo zvakatiomera. Batsirai mwana wenyu kuti asarudze mumwe munhu pavanhu vemuungano vari pasi apa otanga kutaura naye. Ngaaratidze hama kana hanzvadzi yaasarudza makadhi ari pasi apa, ovakumbira kuti vasarudze mubvunzo wavanoda kupindura. Kuziva chimwe chinhu chitsva nezvemumwe munhu kunogona kukubatsira kuti muve shamwari!