IVA SHAMWARI YAJEHOVHA
Iva Muparidzi Asina Kubhabhatidzwa
Mwana wenyu anoziva here zvinhu zvinodiwa kuti azova muparidzi asina kubhabhatidzwa? Zvinhu zviri pasi apa zvichamubatsira.
Vabereki, verengai nevana venyu Mateu 21:16 mokurukura navo vhesi yacho.
Dhaunirodhai moprinda pepa iri.
Mwana wenyu ava kukwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa here? Shandisai chimwe chezvinhu zviri pasi apa pakunamata kwenyu kwemhuri. (1) Onai vhidhiyo iri kutaurwa. (2) Itai basa riri kutaurwa. (3) Pindurai mubvunzo kana kuti itai zvamuri kunzi muite. Shandisai mapepa ari pasi apa kuti muzive kuti ndezvipi zvamapedza kuita.