IVA SHAMWARI YAJEHOVHA
Bata “Zvibereko Zvemweya” Nemusoro
Unoziva nemusoro zvibereko zvese zvemweya zvakanyorwa pana VaGaratiya 5:22, 23 here?
Vabereki verengai nevana venyu VaGaratiya 5:22, 23, mokurukura navo vhesi yacho.
Dhaunirodhai moprinda pepa iri.
Ngatidzidzei semhuri zvinhu 9 zvinobatanidzwa pazvibereko zvemweya. Chekai makadhi akanyorwa zvibereko zvacho mopa vari mumhuri yenyu. Musaratidza vamwe zvakanyorwa pakadhi ramawana. Ridzai rwiyo rwacho uye imbaiwo parunenge ruchirira. Panotaurwa chibereko chimwe nechimwe, anenge aine kadhi rakanyorwa chibereko ichocho ngaarisimudze achinyatsoimba. Kana mapedza kurukurai kuti ndechipi chibereko chemweya chamuri kuda kushanda nesimba semhuri kuti muve nacho.