Iva Shamwari yaJehovha—Mabasa Okuita
Chikamu ichi chine zvinhu zvakasiyana-siyana zvamunogona kuita nevana venyu.
Batsira Kuda Kurongedza!
Dhaunirodha kana kuti prinda pepa iri uye batsira Kuda kutsvaga zvinhu 5 zvekutambisa zvaari kufanira kurongedza.
Nyengetera Chero Nguva: Rwiyo Nemashoko Acho
Dhaunirodha pepa rekuprinda rine mashoko erwiyo. Vana vachafarira rwiyo urwu ruri nyore kudzidzira!
Kuda Ari Kuverenga Bhuku Ripi?
Ona vhidhiyo inonzi, “Kuba Kwakaipa.” Prinda pepa iri wobva warikala.
Gadzira Bhegi Rako Rekunoparidza!
Zvii zvaunofanira kunge uinazvo usati waenda kunoparidza? Basa iri richakubatsira kurongedza bhegi rako.
Ngatigadzirirei!
Kuda naSarudzai vanofanira kupfeka hembe dzipi pavanoenda kunoparidza?
Kuva Nerupo Kunoita Kuti Ufare: Rwiyo Nemashoko Acho
Dzidzira mashoko erwiyo urwu wozorwuimba pamwe chete nevhidhiyo yacho.
Jehovha Ndiye Akasika Mhuka!
Dhaunirodha pepa rekukala woona vhidhiyo inonzi “Jehovha . . . Akasika Zvinhu Zvose” kuti uone kuti imhuka dzipi dzakatanga kusikwa.
Bata Nemusoro Johani 3:16
Dzidza zvinotaurwa pana Johani 3:16, wozozvishandisa pauchaenda kunoparidza.
Gadzira Mota yaKuda
Prinda, cheka, uye batanidza zvidimbu zvemota yaKuda yekutambisa.
Bata Nemusoro Pisarema 83:18
Nei Jehovha ari “Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese”?
Unofanira Kuita Sei?
Ona vhidhiyo inonzi “Regerera Vamwe” wobva waprinda pepa rine basa rekuita wokala mufananidzo unoratidza zvaunofanira kuita.
Bata Nemusoro Pisarema 133:1
Patinoungana pamwe chete, Jehovha anotikomborera nekuita kuti tive nerugare uye tibatane.
Makadhi Ekuti Uchengete!
Aise pamapeji aunoda kuzovhura mumabhuku ako!
Musiyano Uri Papi?: Gungano
Siyanisa mapikicha. Chii chingakubatsira kuti uteerere pamisangano?
Takazoenda kuBheteri
Imba nezveBheteri, imba yaMwari!
Jehovha Angakubatsira Sei Kuti Usatya?
Jehovha achakubatsira kuti usatya sezvakaita kamusikana kechiIsraeri.
Musiyano Uri Papi?—Paradhiso
Zvinhu zvipi zviri kuvimbiswa neBhaibheri zvichazadziswa muParadhiso?
Zvaungaita Kuti Ugadzirire Kuzopindura?
Chii chakabatsira Kuda kuti ayeuke zvaaizoda kutaura?
Yeukai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
Unogona kuronga kubuda muushumiri nemumwe ari mubasa renguva yakazara here?
Nei Uchifanira Kuteerera Pamisangano?
Fananidza mavhesi nemapikicha. Ungatevedzera sei Jesu pakudzidza nezvaMwari?
Paridzira Vanhu Vanotaura Mumwe Mutauro Uchishandisa JW Language App!
Dzidza mamwe mashoko emumwe mutauro kuti ubatsire vamwe kudzidza nezvaJehovha.
Ida Vanhu Vese
Jehovha anoratidza sei kuti anoda vanhu vese?
Nhasi Unganyengetera Uchitaura Kuti Kudii?
Nyora kana kuti dhirowa zvaunogona kunyengetera nezvazvo.
Remekedza Vanhu Vakuru: Mumhanzi Uye Mashoko Erwiyo Rwacho
Imba rwiyo runoratidza kuti unokoshesa shamwari dzako dzakura.
Gara Wakangwarira!
Vabereki vangaitei kuti vadzivirire vana vavo?
Unoremekedza Imba yaJehovha Here?
Mapikicha api anoratidza zvaunofanira kuita kana uri pamisangano yechiKristu?
Bata Nemusoro Mabhuku emuBhaibheri (Chikamu 1)
Shandisa makadhi aya kuti udzidzire kubata nemusoro mazita emabhuku eMagwaro echiHebheru kubva kuna Genesisi kusvika kuna Isaya.
Ipawo Jehovha Chimwe Chinhu
Ungaratidza rupo munzira dzipi?
Bata Nemusoro Mabhuku emuBhaibheri (Chikamu 2)
Shandisa makadhi aya kuti akubatsire kubata nemusoro mabhuku eBhaibheri kubva pana Jeremiya kusvika pana Maraki.
Kutaura Chokwadi Kwakafanana Nekuvaka Bhiriji
Nei kutaura chokwadi kuchikosha pakuumba ushamwari?
Bata Nemusoro Mabhuku emuBhaibheri (Chikamu 3)
Shandisa makadhi aya pakubata nemusoro mabhuku echiKristu echiGiriki kubva kuna Mateu kusvika kuna Zvakazarurwa.
Ungava Sei Nemwoyo Murefu?
Unogona kufunga here nezve dzimwe nzira dzaunogona kuratidza nadzo mwoyo murefu?
Urongwa hwaJehovha Hwekuroorana
Ndevapi vakaroorana vaunowana muBhaibheri?
Imbira Jehovha Rwiyo!
Kana mapedza kugadzira peji ine muti nevanhu vari kuimba, imba uchibata nemusoro rwiyo rwune musoro unoti “Jehovha Ndiro Zita Renyu.”
Zita raJehovah
Zita raMwari rinowanika kangani muBhaibheri??
Jehovha Akagadzira Zvinhu Zvakanaka!
Zvinhu zvingani zvakasikwa naMwari zviri papikicha?
Kuparidzira Vanhu Vemarudzi Ese
Mashoko eUmambo anofanira kuparidzwa kunaani?
Kuwedzera Basa Redu Zvichibva Pamwoyo
Pachiine basa rakawanda rinoda kuitwa pakubatsira vamwe kuti vazive Jehovha. Zvii zvaunogona kuita?
Rudzikinuro
Nei tichida chibayiro chaJesu cherudzikinuro?
Bvuma Kudzidziswa naJehovha
Mwari anokudzidzisa kuti usimbe uye utsige.
Upenyu hwaJesu
Verenga mavhesi emuBhaibheri wobva waaisa pamufananidzo unoenderana nawo.
Ita Kuti Chokwadi Chive Chako
Ndezvipi zvimwe zvaungaite zvingakubatsire kuti ude chokwadi nemwoyo wese?
Nzira Yekuratidza Vamwe Rudo
Tingatevedzera sei Jesu pakuratidza vamwe rudo?
Ona Uri muParadhiso
Unoda kuzoitei muParadhiso?
Tsungirira Paunoitirwa Utsinye
Tinofanira kuita sei kana tikaitirwa utsinye?
Zivana Neshamwari dzaJehovha
Shandisa pepa rino kuti utange kudzidza Bhaibheri uri wega.
Zvininipise
Verenga nezvevanhu vakasiyana-siyana vanotaurwa muBhaibheri udzidze kuzvininipisa.
Zvinoita Kuti Tifare
Imhuka ipi yaunoda kuzotamba nayo munyika itsva yaMwari?
Kutsungirira Paunenge Wafirwa
Chii chingatibatsira kuramba tichifara panofa munhu watinoda?
Paimba Neimba
Ndezvipi zvaunoda kushandisa pauchazoenda kunoparidza?
Nyengetererawo Vamwe
Ndivanaani vaunogona kunyengeterera?
Ida Imba yaJehovha
Itawo zvimwe zvinhu kuti imba yaMwari igare yakachena!
Ndava Kuda Kuita Zvihombe
Jehovha anoda kuti tironge kuti ndezvipi zvinhu zvekunamata zvatinoda kuzoita. Iwe unoda kuzoitei?
Namatai Jehovha Muchiri Vadiki
Ungaratidza sei kuti unotenda?
Ndakasikwa Zvakazonaka
Ndezvipi zvinhu zvinoshamisa zvaunogona kuita?
Fadza Jehovha
Mwari anofara kana tikamuteerera uye tikaita zvinhu zvinomufadza.
Jehovha Ishamwari Yangu
Mwari ishamwari yedu, akasika maruva nemhuka kuti tinakidzwe neupenyu.
Zvaunofanira Kuita Muushumiri
Zvinhu zvipi zvaunofanira kuita muushumiri?
Kanganwira Vamwe
Chii chingakubatsira kuti uregerere vamwe?
Iva Shamwari yaJehovha—Rwiyo
Uchiri kuyeuka here zvimwe zvinhu zvadzidzwa naKuda naSarudzai?
“Ndinoda”
Jesu anoda kubatsira vamwe. Ungabatsirewo sei vamwe?
Tinofarira Kunamata Kwemhuri
Mungaitei kuti munakidzwe nekunamata kwemhuri?
Batsira Vamwe
Tinoda kubatsira hama dzedu dzinoshaiwa sekubatsira kwakaita Jesu murume aiva nemaperembudzi.
Shandisa Nguva Yako Zvakanaka
VaEfeso 5:15, 16 ingakubatsira sei kuti ushandise nguva yako zvakanaka?
Mabasa Anoshamisa aMwari
Imhuka ngani dzaunoziva mazita adzo?
Mhuri Yedu Iyi
Dzidza nezvemhuri yenyu!
Kutsiurwa Kunoratidza Kuti Unodiwa
Unofanira kuita sei paunotsiurwa?
Unonzwa Sei Nebasa Iri?
Ungaita sei kuti uparidze nechido?
Ndinokutendai Nezvamuri
Shamwari dzechokwadi dzinotibatsira kuda Jehovha.
Kutsvaga Shamwari Dzerugare
Hama nehanzvadzi dzedu dziri kuparidza pasi rese.
Iva Akavimbika
Jehovha anofarira vanhu vakavimbika.
Ida Muvakidzani Wako
Zvii zvinogona kuitwa naSarudzai kuratidza kuti ane rudo uye anobata vamwe zvakanaka?
Makatipa Mwanakomana Wenyu Anokosha
Jehovha akaratidza sei kuti ndiye akatanga kutida?
Tevedzera Noa
Tarisa uone kuti zvii zvaungaita kuti utevedzere Noa!
Vagamuchirei Nerudo
Kugamuchira vaenzi kunoita kuti tifare uye tiwedzere kuwirirana nevamwe.
Esteri Aiva Neushingi
Tarisa uone zvaungaita kuratidza kuti une ushingi saEsteri.
Zvione Uripo, Zvese Zvava Zvitsva
Imbozvifungidzira uri munyika itsva.
Jehovha Anoregerera
Jehovha akagadzirira kuregerera.
Tinofanira Kupemberera Mazuva Ekuzvarwa Here?
Inzwa kuti nemhaka yei tisingafaniri kupemberera mazuva ekuzvarwa.
Zvisikwa Zvinorumbidza Mwari
Tine zvakawanda zvatinodzidza kubva pazvinhu zvakasikwa naJehovha.
Vaapostora 12—Unovaziva Here?
Ngatiedze kubata nemusoro mazita evaapostora vese 12!
Bhuku raMwari—Ipfuma Chaiyo
Bhaibheri chipo chatakapiwa naJehovha.
Mariya—Aida Uye Aizvininipisa
Tinogonawo kuita saMariya toramba takavimbika kuna Jehovha pasinei nezvatingasangana nazvo.
“Mwari Rudo”
Tarisa uone zvaunogona kuita kuti uratidzewo vamwe rudo sezvinoitwa naJehovha.
Ticharamba Tichitsungirira
Kuramba tichifunga zvinhu zvakanaka zvichaitika mune ramangwana kunotibatsira kuti titsungirire zvinhu pazvinombooma.
Rute Aiva Shamwari Yakanaka
Unogona kutevedzera Rute nekuva shamwari yakanaka.
Vechidiki Tevedzerai Dhavhidhi
Dhavhidhi akava neushamwari hwepedyo naJehovha achiri mudiki uye izvozvo zvakamubatsira kweupenyu hwake hwese.
Jehovha Anopindura Minyengetero Here?
Dzimwe nguva, Jehovha anopindura minyengetero nenzira dzatisingatarisiri.
Nyengetera Kuna Jehovha Zuva Nezuva
Zvinotora nguva kuti uzosvika pakuva neushamwari naJehovha, asi unenge washandira zviripo!
Ramba Uchiparidza
Kuda naSarudzai vakatevedzera Jesu nekuramba vachiparidza. Newewo unogona kumutevedzerawo.
Makazviitira Ini
Vanhu vaJehovha vanoedza kubatsira vakazodzwa nekuita chero zvavanokwanisa.
Takakumirira
Kana uri mukoma kana kuti sisi zvinokosha kuti uve mukoma kana kuti sisi vakanaka!
Nei Tichifanira Kuteerera Mwari Isu Tisingamuoni?
Tarisa uone zvinhu zvakanaka zvakasikwa naMwari. Zvinotibatsira kuyeuka kuti ariko kunyange zvazvo tisingamuoni.
Tsvagai Vakakodzera
Kutsvaga vakakodzera kushandira zviripo!
Jehovha, Mai, Neni
Tarisa uone zvinogona kuitwa nevana kuratidza kuti vanoda uye vanokoshesa vanaamai vavo.
Vakadzi Vakatendeka, Hanzvadzi dzechiKristu
Inzwa nezvevamwe vakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri!
Takazvitsaurira Kuna Mwari!
Hapana upenyu hunofadza kupfuura upenyu hwekuzvitsaurira kuna Jehovha!
Ndiani Wandinofanira Kushamwaridzana Naye?
Sarudza shamwari dzichakubatsira kuti uve shamwari yaJehovha sezvakaitwa naMarita naSarudzai.
Ndinoda Kuva Munyoro saMozisi
Basa iri richabatsira mhuri yenyu kuti idzidze zvakawanda nezvaMozisi.
Iva Muparidzi Asina Kubhabhatidzwa
Kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa idanho rinokosha chaizvo!
Bata “Zvibereko Zvemweya” Nemusoro
Ngatiedzei kubata nemusoro zvibereko zvemweya mutsvene waJehovha.
Ndanonokerwa NeGungano!
Shandisai zviri mupepa iri kuti mugadzirire kupinda gungano!
Zvaunofanira Kuita Kuti Uzobhabhatidzwa
Dzidzai zvinofanira kuitwa nemunhu kuti akwanise kubhabhatidzwa uye batsirai vana venyu kuti vazadzise zvinangwa zvavo zvekunamata.
Ngatirambei Takavimbika
Kuvimbika unhu hwakanaka. Ungaite sei kuti urambe wakavimbika kuna Jehovha?
Unhu hwaJehovha
Unoziva unhu hwaJehovha hunonyanya kuratidzwa mune zvinhu zvakasikwa here?
Ndinoda Kuchenesa!
Kugara mumba medu makachena kunoita kuti tifare uye kunofadzawo Jehovha!
Upenyu Husingaperi Hwakapikirwa
Jehovha achaita kuti nyika ive Paradhiso. Unozviona urimo here?
Rumbidza Jah Pamwe Neni
Tine zvikonzero zvekurumbidza Mwari wedu Jehovha mazuva ese.
Unokosha Kuna Jehovha
Samantha anodzidza kuti kana akatevedzera Jesu, Jehovha achamukoshesa. Ko iwe?
Ndoenda Kuna Jehovha
Patinenge tisiri kufara, kana tikaenda kuna Jehovha, anotibatsira kuti tinzwe zviri nani.
Kugadzirira Kunoparidza
Ngatigadzirirei kuenda kunoparidza!
Jehovha ndiBaba Vedu
Jehovha anoda kuti timuone sababa vedu.
Ita Kuti Jehovha Afare
Unogona kuva neushingi hwekuva akasiyana nevamwe wofadza Jehovha.
Mwari Ndiye Anoita Kuti Zvikure
Ngatidzidzei kuti munhu angaitei kuti akure pakunamata!
Iva Neushamwari Kuti Uwane Shamwari
Unogona kuwana shamwari dzakanaka kana ukava neushamwari!
Chipo Chinopfuura Zvese Chawakapiwa naJehovha
Vana venyu vanogona kusvika pakukoshesa chibayiro chaJesu sezvinoitwa naSamantha.
Gamuchiranai
Dzidzai kuti mungagamuchira sei vamwe zvakanaka semhuri.
Unogona Kuva Piyona!
Batsirai vana venyu kuti vafunge zvekuzopayona!

