RAMBAI MAKAMUKA!
Zvinorevei Kuva MuKristu?—Bhaibheri Rinoti Kudii?
Pasi rese, vanhu vakawanda vanodada vachizviti vaKristu, asi ivo vachiita zvinhu zvinorwadzisa vamwe. Vamwe vacho vanongofunga zvakavanakira, havana kutendeseka uye havana mutsa. Vamwe vacho vanogona kunge vasina kuvimbika muwanano. Zvavanoita zvinoita kuti vamwe vazvibvunze kuti: ‘Zvinombonyatsorevei kuva muKristu?’
Kuva muKristu kunonyatsorevei?
Zviri nyore kuti munhu ati ndiri muKristu, nepo pane zvakawanda zvinodiwa kuti munhu anzi muKristu wechokwadi. Maererano nezvinotaurwa neBhaibheri, muKristu mudzidzi waJesu Kristu. (Mabasa 11:26) Jesu akati: “Kana mukaramba muri mushoko rangu, muri vadzidzi vangu chaivo.” (Johani 8:31) Ichokwadi kuti hapana anogona kuita zvese zvatakaudzwa naJesu. Asi muKristu anofanira kuita zvakadzidziswa naJesu uye achizviratidza nemararamiro aanoita zuva rega rega. Ngatimboonai zvimwe zvakadzidziswa naJesu.
VaKristu vane rudo uye vanofunga zvakanakirawo vamwe
Zvakataurwa naJesu: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.
Zvakaitwa naJesu: Jesu akaratidza kuti aida vanhu vese pasinei nemukurumbira wavo, kwavaibva uye kuti vane mari here kana kuti havana. Akaporesa vairwara, akapa vanhu vaiva nenzara zvekudya, uye akafira vanhu.—Mateu 14:14-21; 20:28.
Zvinoitwa nevaKristu: VaKristu vanoratidza kuti vanoda vanhu uye vanofunga zvakanakira vamwe kuburikidza nekupawo vamwe zvavainazvo, kusasarura uye kuregerera vamwe. Vanobatsira vanhu vanenge vari mumatambudziko uye vanobvuma kurasikirwa nezvimwe zvinhu zvavo zvinokosha vachiitira kuti vabatsire vamwe.—1 Johani 3:16.
VaKristu vanhu vakatendeseka
Zvakataurwa naJesu: ‘Ndini chokwadi.’—Johani 14:6.
Zvakaitwa naJesu: Jesu aive akatendeseka pane zvaaitaura uye zvaaiita. Hapana paakanyengedza vanhu kuti vaite zvaaida kana kuti vabvume zvimwe zvinhu zvenhema. Aizivikanwa nekutaura chokwadi kunyange zvazvo dzimwe nguva zvaiita kuti vanhu vagumbuke.—Mateu 22:16; 26:63-67.
Zvinoitwa nevaKristu: VaKristu havanyepi. Vanobhadhara mitero, havabi, uye vanoita zvebasa panguva dzebasa. (VaRoma 13:5-7; VaEfeso 4:28) Havatsotsi vamwe, havabiridziri pabvunzo, kana kunyora zvenhema pamapepa ekutsvagisa basa uye mamwewo mapepa.—VaHebheru 13:18.
VaKristu vane mutsa
Zvakataurwa naJesu: “Uyai kwandiri, imi mese munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nekuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo. Nekuti joko rangu riri nyore kutakura uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.
Zvakaitwa naJesu: Jesu aiva munyoro uye aitaurika naye. Akaita kuti vana vasununguke kuuya kwaari, akanyaradza vaya vaiva nematambudziko uye airemekedza vanhu.—Mako 10:13-15; Ruka 9:11.
Zvinoitwa nevaKristu: VaKristu vanotaura nevamwe zvakanaka, havatuke kana kutaura mashoko anorwadza. (VaEfeso 4:29, 31, 32) Vane hanya nevanhu uye vanotsvaga mikana yekuvabatsira.—VaGaratiya 6:10.
VaKristu vanoramba vakavimbika kuvanhu vavakaroorana navo
Zvakataurwa naJesu: “Ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”—Mako 10:9.
Zvakaitwa naJesu: Jesu haana kumbobvira aroora, asi akakurudzira vanhu vakaroorana kuti varambe vakavimbika muwanano yavo. (Mateu 19:9) Akataura zvinhu zvinogona kuita kuti wanano iparare.—Mateu 5:28.
Zvinoitwa nevaKristu: VaKristu vanodzivisa kuita zvinhu zvinokanganisa wanano yavo. (VaHebheru 13:4) Vanhu vakaroorana vanoratidzana rudo uye vanoremekedzana.—VaEfeso 5:28, 33.

